Luke 22

VaJudha vanorangana kuuraya Jesu

1Zvino mabiko ezvingwa zvisina mbiriso akaswedera, anonzi pasika. 2Vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamuuraya sei; nokuti vaitya vanhu.

Judhasi Isikariyoti anotsvaka kutengesa Jesu

3Zvino wakapinda Satani kuna Judhasi anotumidzwa Isikariyoti, waiverengwa pavanegumi nevaviri. 4Akaenda, akanotaura nevapristi vakuru nevatungamiriri, kuti angamutengesa sei kwavari. 5Zvino vakafara, vakatenderana kumupa mari. 6Zvino wakatenda, akatsvaka mukana wakafanira wekumutengesa kwavari pasina chaunga.

Pasika nechirairo chaIshe

7Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakasvika, paifanira kubaiwa pasika. 8Zvino wakatuma Petro naJohwani, achiti: Endai munotigadzirira pasika, kuti tidye. 9Zvino vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tigadzirire? 10Zvino wakati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, munhu achasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere mumba maanopinda. 11Uye muti kumwene weimba: Mudzidzisi anoti kwauri: Imba yevaeni iripi, mandingadyira pasika nevadzidzi vangu? 12Uye iye achakuratidzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa; gadzirirai ipapo. 13Zvino vakaenda vakanowana sezvaakange avaudza; ndokugadzirira pasika.

14Zvino awa rakati rasvika, akagara pakudya, nevaapositori gumi nevaviri vanaye. 15Ndokuti kwavari: Nechishuwo ndakashuva kudya pasika iyi nemwi ndisati ndatambudzika; 16nokuti ndinoti kwamuri: Handichazodyizve pairi, kusvikira yazadziswa muushe hwaMwari. 17Zvino wakatora mukombe, avonga akati: Torai ichi, mugogovana. 18Nokuti ndinoti kwamuri: Handichatongonwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira ushe hwaMwari hwasvika. 19Zvino wakatora chingwa, akavonga, akamedura, ndokuvapa, achiti: Uyu muviri wangu, unopiwa pachinzvimbo chenyu; izvi itai kundirangarira. 20Saizvozvowo mukombe shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwa imwi.

21Asi tarirai, ruoko rweanonditengesa rwuneni patafura. 22Zvino zvirokwazvo Mwanakomana wemunhu anoenda sezvazvakatemwa; asi ane nhamo munhu uyo waanotengeswa naye! 23Zvino ivo vakatanga kubvunzana kuti ko ndiani pavari achaita chinhu ichi.

Mukuru ndiani

24Zvino gakava rakavapowo pakati pavo kuti ndiani kwavari anoverengwa semukurusa. 25Zvino wakati kwavari: Madzimambo evechirudzi anotonga zvakaoma pamusoro pavo, nevatongi vavo vanonzi vabatsiri. 26Asi imwi zvisadaro; asi mukurusa kwamuri ngaave semudiki, nemutungamiriri seanoshandira. 27Nokuti ndiani mukuru, uyo agere pakudya kana anoshandira? Haasi iye agere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu seanoshandira.

28Nemwi ndimwi makagara neni pamiedzo yangu; 29zvino ini ndinogadza kwamuri ushe, saBaba vangu vakagadza kwandiri; 30kuti mudye nekunwa patafura yangu muushe hwangu, nekugara pazvigaro zveushe, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.

Jesu anoudza Petro kuti achamuramba

31Ishe ndokuti: Simoni, Simoni, tarira, Satani wakukumbirai kuti akuzungurei segorosi; 32asi ini ndakunyengeterera, kuti rutendo rwako rwurege kupera; newe kana watendeuka, usimbise hama dzako. 33Asi wakati kwaari: Ishe, ndakagadzirira kuenda nemwi zvese mutirongo nemurufu. 34Asi iye wakati: Ndinokuudza, Petro, jongwe haringatongoriri nhasi, usati waramba katatu kuti unondiziva.

35Zvino wakati kwavari: Pandakakutumai musina chikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hapana. 36Zvino akati kwavari: Asi ikozvino, ane chikwama ngaatore, saizvozvowo nehombodo; neasina, ngaatengese nguvo yake, atenge munondo. 37Nokuti ndinoti kwamuri: Izvi zvakanyorwa zvichakafanira kuzadziswa mandiri, zvinoti: Wakaverengwa pamwe nevadariki; nokuti zvinhu izviwo zviri maererano neni zvine mugumo. 38Zvino vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana.

Jesu muGetsemani

39Zvino wakabuda akaenda sezvaaisiita kugomo reMiorivhi; nevadzidziwo vake vakamutevera. 40Zvino wakati asvika panzvimbo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pamuedzo. 41Zvino iye wakasuduruka kwavari, chingava chinhambwe chingaposherwa ibwe; ndokufugama akanyengetera, 42achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; asi chisava chido changu, asi chenyu ngachiitwe. 43Zvino kwakaonekwa mutumwa kwaari wakabva kudenga achimusimbisa. 44Zvino, ari pakurwadziwa kukuru, wakanyanya kunyengetera. Zvino ziya rake rikaita semazidomwe eropa achiwira pasi. 45Zvino wakati asimuka pamunyengetero, akauya kuvadzidzi vake, akavawana varara neshungu. 46Ndokuti kwavari: Mararirei? Mukai munyengetere, kuti murege kupinda pamuedzo.

Kusungwa kwaJesu

47Zvino wakati achataura, tarira, chaunga, naiye wainzi Judhasi, umwe wevanegumi nevaviri, akavatungamirira, ndokuswedera kuna Jesu, kuti amutsvode. 48Asi Jesu wakati kwaari: Judhasi, unotengesa Mwanakomana wemunhu netsvodo here? 49Zvino avo vaiva vakamukomba pavakaona zvaizoitika vakati kwaari: Ishe, tichatema nemunondo here? 50Zvino umwe wavo wakatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake yerudyi. 51Asi Jesu wakapindura akati: Regai zvisvike ipapa. Ndokubata nzeve yake, akamuporesa.

52Zvino Jesu wakati kuvapristi vakuru nevatungamiriri vetembere nevakuru vakange vauya kwaari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo here? 53Ndaiva nemwi mutembere zuva nezuva mukasatandavadzira ruoko kwandiri; asi zvino iawa renyu, nesimba rerima.

Kuramba kwaPetro

54Zvino vakamutora, vakamutungamidza, vakapinda naye mumba memupristi mukuru. Petro ndokutevera ari kure. 55Zvino vakati vavesa moto pakati pechivanze, ndokugara pasi pamwe, Petro akagara pakati pavo. 56Zvino umwe murandakadzi wakamuona agere pamoto, ndokumutarisisa, akati: Uyuwo wakange anaye. 57Asi iye wakamurambira, achiti: Mukadzi, handimuzivi. 58Uye shure kwechinguvana, umwe wakamuona akati: Iwewo uri umwe wavo. Petro ndokuti: Iwe munhu, handisi. 59Zvino nguva inenge awa rimwe yakati yapfuura, umwezve wakasimbisa ane chokwadi, achiti: Zvirokwazvo uyuwo wakange anaye; nokuti muGarireawo. 60Zvino Petro wakati: Iwe munhu, handizivi zvaunoreva. Pakarepo achataura jongwe rakarira. 61Ishe ndokutendeuka akatarira Petro. Petro ndokurangarira shoko raIshe, kuti akamuudza sei, achiti: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. 62Zvino Petro wakabuda panze akachema zvinorwadza.

63Zvino varume vakange vakabata Jesu, vakamuseka, vakamurova. 64Uye vakati vamuvhara kumeso, vakamurova chiso, ndokumubvunza vachiti: Porofita! Ndiani wakurova? 65Nezvimwe zvinhu zvizhinji vakareva kwaari, vachituka.

Jesu pamberi pevapristi nevakuru

66Zvino kwakati kuchingoedza, dare revatariri vevanhu nevapristi vakuru nevanyori vakaungana, vakamuisa kudare ravo remakurukota vachiti: 67Kana iwe uri Kristu, tiudze. Zvino akati kwavari: Kana ndikakuudzai, hamutongotendi; 68uyewo kana ndikabvunza, hamumbondipinduri, kana kundisunungura. 69Kubva ikozvino Mwanakomana wemunhu achagara kuruoko rwerudyi rwesimba rwaMwari. 70Vese ndokuti: Naizvozvo iwe uri Mwanakomana waMwari kanhi? Iye ndokuti kwavari: Imwi mareva kuti ndini. 71Zvino vakati: Tichadirei uchapupu? Nokuti tomene tanzwa pamuromo wake.

Copyright information for Shona